Vemakombi muKwekwe voramba kugashira mabond notes


12 Apr 24

Click here to watch video

Veruzhinji muguta reKwekwe vanoshandisa makombi kuenda kumabasa votambura nokushaya mari yakachinjika yekukwirisa motokari idzi sezvo voramba mari yema bond notes.

Izvi zvinouya mushure memashoko akaturwa naGavhuna weReserve bank of Zimbabwe vaJohn Mushayavanhu okuti pave nemari itsva inonzi Zig.

Mumashoko avo vakati ivo mari yanga ichishandiswa yemabond notes ichange ichienderera mberi ichishanda kwemazuva makumi maviri nerimwe chete,asi zvakare inofanirwa kunge ichibhengwa.

Vemakombi vari kuramba mari iyi izvo zvasiya vazhinji vachinetsekana.

‘’Vemakombi vari kuramba kugashira mari yemabond iyi ‘’

‘’Patabva kumba tange tichipiwa change yema bond Notes 10000 ,asi patange todzokera vave kuramba mabond zvachose' akadaro mumwe mugari wekuMbizo.

Mari yemabond ndiyo yange ichishandisiwa zvakanyanya nevemakombi ,asi kubva zvaziviswa kuuya kwemari itsva ,havachadi kugamuchira mari iyi.

’Vanotyaira makombi vanotiwo mabond notes vakaramba vachimagashira vanozosangana nedambudziko kana vachinge voda kutenga vafuta emotokari '

‘‘sezvo magaraji emazuta vasingatenderi mabond notes isu tikaramba tichimatora tinozoitadambudziko rekushaya kwekumaendesa ,kana kumachinja kuitira kuti tiwane maUSD.'

‘‘Tiri kugashirawo maRands kuitira kuti tikwanise kuchinja vabereki mari dzavo.

‘‘10 Rands ndiyo iri kuenderana ne Usd 0.50c.’’akadaro mumwe mutyairi.